Ezekiel 45

Kuganhurwa kweNyika

1“ ‘Pamunogovera nyika senhaka, munofanira kutsaurira Jehovha mugove wenyika sedunhu dzvene, rakareba makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu rine upamhi hwezviuru makumi maviri amakubhiti; nzvimbo yose iyoyo ichava tsvene. 2Panzvimbo iyoyi, chikamu chinosvika makubhiti mazana mashanu paupamhi uye panofanira kuva neimwe nzvimbo yakaipoteredza inosvika makubhiti makumi mashanu paupamhi uye panofanira kuva neimwe nzvimbo inosvika makubhiti makumi mashanu. 3Mudunhu dzvene, unofanira kuyera chikamu chinosvika makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu
makiromita angaita 12
paurefu uye makubhiti zviuru gumi
makiromita angaita 5
paupamhi. Imomo ndimo muchava nenzvimbo tsvene, iyo Nzvimbo Tsvene-tsvene.
4Ichava chikamu chitsvene chenyika yavaprista, vanoshumira munzvimbo tsvene vanoswedera kuti vashumire pamberi paJehovha. Ichava nzvimbo yedzimba dzavo uyewo nenzvimbo tsvene yeimba tsvene. 5Nzvimbo inosvika makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu paurefu uye makubhiti zviuru gumi paupamhi ichava yavaRevhi, vanoshumira mutemberi, senhaka yavo pavangavaka maguta avanogara.

6“ ‘Munofanira kupa guta somugove waro nzvimbo ino upamhi hunosvika makubhiti zviuru zvishanu nourefu hunosvika zviuru makumi maviri nezvishanu, parutivi pechikamu chitsvene; inofanira kuva yeimba yose yaIsraeri.

7“ ‘Muchinda achapiwa nyika inoganhurana nedunhu dzvene kuno rumwe rutivi uye inoganhurana nomugove weguta. Kurutivi rwokumavirazuva zvichienda kumavirazuva, nokurutivi rwokumabvazuva zvichienda kumabvazuva, pakureba inofanira kuenzana nomugove mumwe chete kubva kumuganhu wokumavirazuva kusvika kumuganhu wokumabvazuva, zvichienderana nomumwe wemigove yedzimba. 8Nyika iyi ichava yake pakati paIsraeri. Uye machinda angu haachazomanikidzizve vanhu vangu asi vachatendera imba yaIsraeri kuti vatore nyika zvinoenderana namarudzi avo.

9“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Makabvira kure kwazvo, imi imba yaIsraeri! Siyai kuita nechisimba kwenyu nokumanikidza kwenyu mugoita zvakanaka nezvakarurama. Regai kutorera vanhu vangu zvinhu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 10Munofanira kushandisa zviyero zvakarurama, efa
“Efa raishandiswa pakuera zvinhu zvakaoma.”
yakarurama uye bhati
“Bhati raishandiswa pakuera zvinhu zvemvura mvura.”
rakarurama.
11Efa nebhati zvinofanira kuenzana, bhati rine chegumi chimwe chete chehomeri
“Homeri raishandiswa pakuera zvinhu zvakaoma.”
neefa ine chegumi chimwe chete chehomeri; homeri ndicho chinofanira kuva chiyero chazvo zvose.
12Shekeri
shekeri rairema magiramu angaita 11.5
rinofanira kuva namagera makumi maviri. Mashekeri makumi maviri kusanganisa namashekeri makumi maviri namashanu, kusanganisa namashekeri gumi namashanu zvinokwana mina rimwe chete
Ndiko kuti mashekeri 60, mina raiva namashekeri 50
.

Zvipiriso naMazuva Matsvene

13“ ‘Ichi ndicho chipo chakatsaurwa chaunofanira kupa: chikamu chimwe chete kubva muzvitanhatu cheefa chichibva pahomeri imwe neimwe yebhari. 14Nechiyero chakatarwa chamafuta, chakayerwa nebhati, ndicho chegumi chebhati kubva pakori rimwe nerimwe (rina mabhati gumi kana homeri imwe chete, pamabhati gumi anoenzana nehomeri imwe chete). 15Uyewo gwai rimwe chete rinofanira kutorwa kubva paboka rimwe nerimwe ramazana maviri achibva kumafuro akawana mvura yakakwana eIsraeri. Izvi zvichashandiswa pazvipiriso zvezviyo, nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana kuti zviyananisire vanhu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 16Vanhu vose venyika vachabatirana pachipo ichi chakatsaurirwa kushandiswa nomuchinda muIsraeri. 17Richava basa romuchinda kuti auye nezvibayiro zvinopiswa, nezvezviyo nezvokunwa pamitambo yakatarwa, pakugara kwomwedzi napamaSabata, napamitambo yose yakatarwa yeimba yaIsraeri. Achauya nezvipiriso zvezvivi, nezvipiriso zvezviyo, nezvibayiro zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana kuti ayananisire imba yaIsraeri.

18“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Mumwedzi wokutanga pazuva rokutanga unofanira kutora hando duku isina kuremara ugonatsa nzvimbo tsvene. 19Muprista anofanira kutora rimwe reropa rechipiriso chechivi agoriisa pamagwatidziro emikova yetemberi, pamakona mana omusara wapamusoro wearitari uye napambiru dzamasuo omuruvazhe rwomukati. 20Munofanira kuita zvimwe chetezvo pazuva rechinomwe romwedzi kuna ani zvake asina kutadza nobwoni kana nokusaziva; saka munofanira kuyananisira temberi.

21“ ‘Mumwedzi wokutanga pazuva regumi namana munofanira kucherechedza Pasika, mutambo unopedza mazuva manomwe, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso pamazuva iwayo. 22Pazuva iro, muchinda anofanira kuuya nehando sechipiriso chechivi chake iye nechavanhu vose venyika. 23Zuva rimwe nerimwe pamazuva manomwe aya oMutambo, anofanira kuuya nehando nomwe namakondobwe manomwe asina chaanopomerwa sechibayiro chinopiswa kuna Jehovha, nenhongo yembudzi yechipiriso chechivi. 24Anofanira kuuya nechipiriso chezviyo paefa imwe chete pahando imwe neimwe, uyewo efa pagondobwe rimwe nerimwe, pamwe chete nehini
marita angaita 4
yamafuta paefa imwe neimwe.

25“ ‘Pamazuva manomwe oMutambo, unotanga nomwedzi wechinomwe pazuva regumi namashanu, anofanira kuramba achiuya nezvipiriso zvezvivi, nezvibayiro zvinopiswa, nezvipiriso zvezviyo namafuta.

Copyright information for SnaBDSC